MDC-T Yoendesa Zanu PF kuMatare Ichiti Yakaponda Vanhu Muna 2008?

  • Blessing Zulu

Obert Gutu

Mutauriri webato reMDC-T uye vari nhengo yeNational Electoral Reform Agenda, Nera, VaObert Gutu, vanoti vakagadzirira zvakasimba kuzvidzivirira kubva kusangano riri kuzviti Citizens Against Violence and Anarchy, Cava.

Sangano iri mumazuva mashoma apfuura rakapihwa mvumo nedare repamusoro yekuti riendese Nera kumatare kuitira kuti nhengo dzaro dziripwe zvinhu zvadziri kuti zvakapunzwa nenhengo dzeNera dzairatidzira gore rapera.

Asi veNera vanotiwo vane humbo hwakasimba hunoratidza kuti nhengo dzeZanu-PF nevasori ndivo vakaita izvi.

VaGutu vanotiwo vari kuda kuendesawo kumatare bato reZanu-PF vachiripomera mhosva dzekuponda nhengo dzaro dzinosvika mazana maviri muna 2008 panguva yesarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu