Zvizvarwa zveZimbabwe Zvinoungana muMaryland

BBQ Poster

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara mumatunhu akapoteredza Washington D.C. kuno ku America, zviri kuungana muPotomac Park muguta re Rockville, kuMaryland, zvichinakidzwa pazororo reEaster.

Kuchange kuine machikichori, vanhu vachidya nyama yekugocha, kunwa pamwe nekuridza mimhanzi.

Mushure mekutandara muPotomac Park, vanhu vachaenda kuSilver Spring manheru, uko kuchange kuine dhidhindi, richikokerwa naD.J. Tau, uyo anogara ku Pennsylvania.

Mumwe wevari kuronga gungano iri, Muzvare Rowesai Dendera, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo gungano iri raita masanga nekupemberera kwezuva rekusununguka kweZimbabwe, uye nezororo re Easter, chikonzero chegungano iri ndechekungoti zvizvarwa zveZimbabwe zvisangane sezvinoitwawo nezvimwe zvizvarwa zvekune dzimwe nyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Rowesai Dendere