Vanhu Vanobva kuZimbabwe Vanopona Mudutumupengo reHurricane Harvey kuTexas

Muzvare Tariro Muchuro

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muHuston kuTexas uko kwakarohwa nedutumupengo rine mafashamu, Hurricane Harvey, zvinoti kunyange zvazvo vamwe vavo vakakuvadzirwa dzimba dzavo, vanotenda Nyadenga kuti hapana kana munhu mumwe chete pakati pavo ati azivikanwa kuti akafa kana kukuvadzwa.

Pari zvino dutumupengo iri rauraya vanhu vanoita makumi matanhatu nevatatu pamusoro pekupunza dzimba nezvivakwa mudunhu iri.

Zvikoro nemakambani zvakavharwa uye migwagwa izere mvura zvekuti vazhinji vanotoshandisa zvikepe kusvika kuvanhu vanoda rubatsiro.

“Inini ndinoda kutenda Mwari kuti handina kunyanya kushungurudzwa nedutumupengo iri. Harvey yakaita zvatisati tamboona; mvura kunge yaNoah chaiyo. Nemusi weChishanu ndakaona dambudziko guru chaizvo kuuya kumba ndichibva kubasa nokuti takange taudzwa kuti mvura nenhepo zvichasvika kuno uku pamwe neSvondo,” vanodaro Muzvare Muchuro.

“Vese vekuZimbabwe vandinoziva vakapona. Kumativi kwavanogara hakuna kunyanya kuvhiringwa asi vamwe vandinoshanda navo vakapinda pakaoma, vakarasikirwa nezvinhu zvavo,” Muzvare Muchuro vanowedzera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Tariro Muchuro

Mumwe mugari wekuTexas, Muzvare Orissa Williams, vanotiwo mune dzimwe nzvimbo mvura yaisvika pamatenga edzimba.

“Kwandinogara nzira dzema ‘highway’ dzange dzakavharwa zvekuti vamwe vaitoshandisa zvikepe kuenda kumabasa nekuti mvura muneimwe migwagwa yaisvika mumabvi,” Muzvare Williams vanotsanangura.

Muzvare Williams vanoti vari kugara nedzimwe hama dzavo nokuti denga reimba yavo rakadonhera mumba yekutandarira mushure mekunge mvura nemhepo zvaparadza nharaunda yavo kwemazuva mashanu.

“Inini pachangu handina kunyanya kuvhiringwa asi hama dzangu ndidzo dzakasvitswa pakaoma nokuti mvura haisi kudzika mumba mavo uye hapana rubatsiro rwavari kuwana pari zvino asi kungomirira vanhu ve Federal Emergency Management Agency, vanobatsira vanhu munguva dzakadai. Vanozviziva; takavaudza,” vanotsanangura Muzvare Williams.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Orissa Williams

Muzvare Tariro Muchuro vanoti ivo nevamwe vekuZimbabwe vanogara muHuston vanorwadziwa chose kuona zvakaitika kune vamwe muguta iri, avo vakasara vasisina dzimba.

Zvichitevera dambudziko iri, hurumende yaVaDonald Trump inoti ichabatsira vanhu vakaradzirwa dzimba dzavo neHurricane Harvey, uye hurumende inoti iri kutarisira kubatsira vanhu ava nemari inosvika mabhiriyoni masere emadhora.

Asi kuti mari iyi ipihwe vanhu ava, dare reCongress rinofanirwa kubvumirana kuti hurumende ishandise mari iyi.

Dare reCongress riri pazororo uye rinotarisirwa kuzeya nyaya iyi parinodzoka kuti riite basa raro.