Zvizvarwa zveZimbabwe Zvovhota Musarudzo Dziri Kuitwa muAmerica

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Early voting surges ahead of 2020 election

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muAmerica zvinoti zvichange zvichivhota musarudzo dzichaitwa nemusi weChipiri svondo rinouya sezvo zvave nekodzero yekuvhota muAmerica.

Musi uyu mamiriyoni nemamiriyoni evanhu achange achivhotera mutungamiri wenyika waanoda pakati pemutungamiri weAmerica pari zvino, VaDonald Trump vebato reRepublican Party, pamwe nevaimbove mutevedzeri wemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden veDemocratic Party.

Muzvare Tafadzwa Matinenga, avo vanogara mudunhu reVirginia, vanoti munhu agara achitsigira bato reDemocratic Party sezvo richikoshesa kodzero dzevabvakure vari kushanda nekugara muAmerica.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Tafadzwa Matinenga


VaTamuka Gwatidzo, avo vanogara kuGeorgia, vanoti vachange vachivhotera bato reRepublican Party sezvo hurongwa hwaVaTrump huchiremekedza zvavanowirirana nazvo zvekurambidza kubviswa kwepamuviri nezvimwe zvavanoti zvakanakira vanhu vatema zviri kuitwa nebato iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTamuka Gwatidzo