Zvizvarwa Zve Zimbabwe Zviri MuAmerica Voita Chirongwa CheZim Expo

Madzimai eZimbabwe achiratidza zvavanotengesa kuTrade fair kuSouth Africa

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nedzimwe nyika zvave kugadzirira chirongwa cheZim Expo chinoitwa kamwe chete pagore.

Gungano iri rinounza pamwechete zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica, Canada nedzimwe nyika.

Gore rino, Zim Expo ichatora nzvimbo kubva musi weChishanu 25 Chivabvu kusvika Svondo 27 Chivabvu ku UMass Lowell Inn And Conference Center, kuLowell, Massachusetts.

Vanoronga nezvemusangano nemabiko aya, Muzvare Andile Mpofu, vanoti vamwe vanotarisirwa kuvepo vakuru vakuru veBarclays Bank Zimbabwe nevaimbi vekuZimbabwe, Killer T naExQ uye pachaita mutambo wenhabvu nekusarudza tsvarakadenga mumakwikwi aMiss Zim-USA Pageant.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Andile Mpofu