VaChamisa Vovimbisa Kuongorora Zvibvumirano Zviri Kuitwa naVaMnangagwa

  • Thomas Chiripasi

VaNelson Chamisa

Mutungamiri werimwe bato reMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti vachaongorora zvibvumirano zviri kunyoreranwa pasi nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kana vachinge vasarudzwa kuve mutungamiri wenyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatsigiri kwaJonas kumaruwa ekwaSeke, VaChamisa vati vachaongorora zvibvumirano zvose zviri kuitwa naVaMnangwagwa nedzimwe nyika vachiti vanoda kuona kuti pane chakanakira nyika neveruzhinji here muzvibvumirano izvi.

VaChamisa vatiwo kana vachinge vapinda panyanga vachaitawo kuti nhepfenyuro dziwande munyika.

VaChamisa vaendererana mberi vachiti vakwegura vacharapwa pachena kana vakavhoterwa kutungamira nyika.

Maererano nemakakatanwa ari muMDC-T,VaChamisa vati vatogadzirira kare kuti veruzhinji vasavhiringidze pakuvhotera bato ravo sezvo vakasarudzwa kutungamiri chimwe chiwata cheMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vachiti vachakwikiwidza sarudzo idzi vachishandisa zita rekuti MDC-T.

VaChamisa, avo vanga vachifamba nevamwe vatungamiri vemapato ari muMDC Alliance vanosanganisira VaTendai Biti, VaJacob Ngarivhume pamwe naVaMathias Guchutu, vati vachagadzirisa hupfumi hwenyika kuitira kuti veruzhinji varerukirwe nehupenyu.

Zvichakadai, VaChamisa vazivisa vatsigiri vavo kuti vari kuenda mhiri kwemakungwa kuLondon svondo rinouya kwavari kunoita misangano nevari muhurumende yeBritain.

VaChamisa vakatarisirwa kuitawo mumwe musangano nevatsigiri vavo kuMamina kuMhondoro mangwana.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi