Vakapona Mutsaona yeBhazi kuNyamakate Votaura Zvakaitika

Tapiwa Sande

Vanhu makumi mana nevana vafa munjodzi yemumugwagwa mambakwedza nhasi kuNyamakate mumugwagwa unobva kuHarare uchienda kuLusaka, Zambia.

Makumi mana nevatatu vevanhu vafa ava vafira paitikira tsaona iyi, munhu mumwe chete akazofira kuchipatara cheParirenyatwa China masikati.

Vamwe vanhu vanosvika makumi matatu vakuvara patsaona iyi.

Vazhinji vevakuvara vari kurapwa pachipatara cheChinhoyi neKaroi.

Mumwe wevapona mutsaona iyi, VaTapiwa Sande, vati tsaona iyi yaitika apo bhazi reKing Lion iro ranga richibva kuHarare richienda kuLusaka, Zambia, ranga richimhanya zvakapfuura mwero ndokuputika vhiri rekumberi ndokubuda mumugwagwa ndokusvikorovera pamuti.

VaSande vati vakamboedza nevamwe vavo kuyambira mutyairi webhazi kuti ari kumhanya zvakanyanyisa vari muBanket asi vanoti mutyairi akaisa zvimiti munzeve.

VaSande vati pabheuka bhazi ivo neshamwari yavo vakwanisa kubuda nepamusoro pebhazi panga pabooka ndokuzoyamurawo mamwe madzimai vaviri.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vanoti tsaona iyi yakaitika neChitatu manheru.

Asi vamwe vevanhu vakapona mutsana iyi vaudza Studio7 kuti tsaona iyi yakaitika mambakwedza eChina.

Mitumbi yose yevafi yaiswa muimba inochengeterwa vafi pachipatara chemuChinhoyi.

Hama dzevafi dzaungana pachipatara vachitarisa nekuzivisa mapurisa hama dzavo kana vachinge vadziziva.

Mumwe wevawana hama yavo, VaBenard Chareka, vati chinonyanya kuvarwadza ndechekuti vakakwidza sekuru vavo bhazi manheru muBanket asi vazofonerwa vachinzi vaita tsaona yemumugwagwa kweve kuedza.

Gurukota rezvedunhu reMashonaland West, VaFaber Chidarikire, vati dunhu ravo rinoshushikana nehuwandu hwevanhu vafa vachiti vanoita zvemitemo vanofanirwa kuomesera zvakanyanya vose vanotyora mitemo. yemumigwagwa.

VaChidarikire vati kana zvichibvira mabhazi anofanirwa kurambidzwa kufamba manheru sezvakaitwa motokari dzinotakura zvinorema.

Gore rakapera mwedzi uno, rimwe bhazi reKing Lion rakaita tsaona kudivi rekuZambia rikauraya vanhu vatanhatu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa