Matongerwo eNyika Okanganisa Mashandiro eMusika weZimbabwe Stock Exchange

Mwedzi wapera kutengeserana kuZimbabwe Stock Exchange kwakadzikira.

Kusagadzikana kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika kunonzi kwakakonzera kuderera kwekutengeserana pamusika weZimbabwe Stock Exchange nezvikamu zvinoita 27.82 percent mumwedzi waMbudzi.

Vanoongorora zvemari nehupfumi, VaPersistance Gwanyaya, vanoti zvematongerwo enyika ndizvo zvakakonzera kuti kutengeserana pamusika weZimbabwe Stock Exchange kudzikire.

VaGwanyaya vanoti chimwe chiri kuremera ZSE inyaya dzemakurukota akasarudzwa nemutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa, ayo avanoti haaratidzi kuti angapindudza nyaya dzehupfumi munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Persistence Gwanyanya