Zesa Yoronga Kukwidza Mutengo weMagetsi

  • Blessing Zulu

Nyaya yekuda kubhadhara chikwereti chemabhiriyoni maviri emadhaora chakakweretwa neZesa kuburikidza nehurumende kubva kuChina ndiyo inonzi yave kupa kuti Zimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company, ZETDC, iwedzere mari yemutengo wemagetsi.

Asi chiitiko ichi chiri kushorwa zvakanyanya nevemabhizimisi nemasangano evagari.

Gore rapera gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakatombogunun’unawo kuti China yainge yonetsa hurumende ichida zvikwereti zvayo izvo zvakapa kuti Zimbabwe igume yabhadhara mari inosvika zana nemakumi masere emamiriyoni emadhora yainge isiri mubhajeti.

Mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti chiitiko ichi chichaomesera vagari.

Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru weBulawayo Progressive Resident’s Association, VaRoderick Fayayo, avo vati Zesa iri kungowedzera mari asi pasina kuwedzera magetsi.

Mutauriri weZesa, VaFullard Gwasira, vabvuma kuti Zesa ine chikwereti chakakura uye inoda kuwedzera huwandu hwemagetsi.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Fullard Gwasira

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaBusisa Moyo, vanotiwo zvaitwa neZesa zvichaomesera vemabhizimisi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBusisa Moyo