Sangano ravanachipangamazano munyika, reZimbabwe Democracy Institute, kana kuti ZDI, raburitsa gwaro rinonzi Zimbabwe political economy review: military factor in Zanu-PF succession politics iro riri kudorongodza nyaya yekupindira mune zvematongerwo enyika inonzi iri kuitwa nevakuru vemauto.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaudza vatsigiri vebato ravo kumusangano wepagore weNational Conference webato ravo kuVictoria Falls kuti vamwe muchiuto, vasori nemapurisa vave kupindira munyaya dzezvematongerwo e nyika.
Panyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chavo, sangano iri rinoti nyaya yaVaMugabe yekusada kuti pataurwe nyaya yekuti ndiyani anovatsiva ndiyo yapa kuti vechiuto vade kupindirawo.
Sangano iri rinoti nesimba rine mauto zvinenge zvoreva kuti ivo chete ndivo vanenge vaine simba rekuti anotora chigaro chaVaMugabe muZanu-PF ndiyani sezvo vaine pfuti.
ZDI iri kuyambira kuti nyaya yemauto yekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika inokanganisawo vekunze vanenge vachida kuuchika mari yavo munyika.
Mukuru weZDI, uye vari nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Doctor Pedzisayi Ruhanya, avo vanoti zvemuchato weZanu-PF nemauto zvakatanga munguva yehondo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya