Vamiriri vemapato mapfumbamwe anopikisa munyika vanyorerana pasi chibvumirano muHarare chinonzi National Electoral Reforms Agenda kana kuti NERA.
Izvi zvaitwa pasi pechirongwa changa chichitungamirwa neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.
Chibvumirano ichi chinonzi chakanangana nekukurudzira hurumende kuti ivandudze mitemo yesarudzo pasati paitwa sarudzo dza 2018.
Mapato apinda mumusangano uyu anosanganisira MDC-T, Mavambo, Transform Zimbabwe, MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, Zanu-Ndonga, Zimbabwe United For Democracy, African Democratic Party, ne Progressive Democrats of Zimbabwe.
Asi mamwe mapato anopikisa akaita se National Constitutional Assembly, NCA, nePeople’s Democratic Party, haana kupinda mumusangano uyu.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti vane chivimbo chekuti mapato ange asipo achazobatana navo mune remangwana.
VaGutu vatiwo zviri pachena kuti zvavari kuita zviri kushanda nekuti Zimbabwe Electoral Commission yabva yadaidzirawo musangano wechimbi chimbi wemapato ose ezvematongerwo enyika kuti vazeye nyaya yemitemo yesarudzo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaObert Gutu