Vatyairi vemabhazi ekambani yehurumende anotakura veruzhinji, yeZimbabwe United Passenger Company, kana kuti ZUPCO, vanonzi vapinda mukushanda zvisina mwoyo wese kana kuti go-slow, senzira yekunyunyuta nemashandiro avanoita pamwe nemari dzemihoro yavanonzi vari kutambira.
Mutungamiri wesangano revanofamba nemabhazi nemichovha, rePassengers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa George Goliati, vanoti ongororo yaitwa nesangano ravo, zvikuru muguta reHarare, inoratidza kuti veruzhinji vanga vachitambura zvikuru kufamba kuenda kumabasa pamwe nekudzokera kudzimba.
VaGoliati vanoti mabhazi anga ari mashoma zvikuru kudarika anofamba mazuva ose, uye anga asingafambe nenguva sezvaanofanirwa kunge achiita.
Studio 7 yaedza kubata veZUPCO pamwe negurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJoel Biggie Matiza kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu, asi havana kupindura mibvunzo yedu pamwe nekudavira nharembozha dzavo patavafonera.
ZUPCO ndiyo chete yakapiwa mvumo nehurumende yekutakura vanhu munguva ino yechirwere cheCovid-19, uye iri kushandisawo mabhazi emakambani anotakura vanhu kuwedzera mabhazi ayo ari kushanda.
Studio 7 yaedzawo kubata mumiriri wevemabhazi anotakura vanhu ari pasi peZUPCO, VaIsau Mupfumi asi havana zvakare kupindura mibvunzo yedu yatavatumira.
Asi VaGoliati vanoti kuramwa mabasa kwevashandi veZUPCO kunokanganisa kufamba kwevanhu zvakanyanyanenyaya yekuti hurumende yakapa masimba ose kukambani imwe chete kuti ive iyo inotakura veruzhinji.
Vanoti sesangano vakagara vakapokana nedanho rekuti kambani imwe chete ive iyo inopiwa mvumo yekutakura vanhu, vachiti kushaikwa kwemabhazi kwave kupinza vanhu munjodzi yekubatira Covid-19 sezvo vave kukwira michovha isiri kutevera matanho ekudzivirira chirwere ichi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaGeorge Tafadzwa Goliati