Sangano revarapi vanoshandisa mishonga yechivanhu, reZimbabwe National Traditional Healers Association, ZINATHA, rinoti rinotarisira kuti hurumende ichapawo nhengo dzaro mukana wekuti dzirapewo varwere veCovid-19 munguva pfupi inotevera.
Munyori anoona nezvedzidzo muZINATHA, Sekuru Prince Mutandi Sibanda, vanoti nhengo dzavo dzinogona kunge dziine mishonga inogona kurapa Covid-19, sezvo dzagara dzichirapa zvirwere zvakasiyanasiyana kubva kare, zvekuti vanofunga kuti vanokwanisa kubatsirawo nekurapa varwere.
Sekuru Sibanda vanoti sesangano, vakatoparurawo hurongwa hwekudzidzisa nhengo dzavo nzira dzekudzivirira nadzo kupararira kwechirwere, idzo dziri kukurudzirwa neWorld Health Organisation pasi rose.
Vanotiwo vari kukurudzira kuti varapi vose vanenge vachiona varwere vaone kuti naivowo varwere vatevedzerawo mitemo yekudzivirira chirwere ichi.
Huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika huri kuramba huchikwira, uyewo vanhu vafa vasvikawo pavatanhatu, mucherechedzo unonzi naSekuru Sibanda unoratidza kuti chirwere chinogona kudzika midzi munyika kana vanhu vakasangwarira.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naSekuru Prince Mutandi Sibanda