Varairidzi vakabatsira ZEC muchirongwa chayo chekunyoresa vanhu kuvhota che Biometric Voter Registration, BVR, vanonzi havasati vabhadharwa mari dzavakashandira kubva pakapetwa chirongwa chekutenderera nenyika yose, che Blitz musi wa 19 Zvita gore rapera.
Munyori wesangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti mahofisi avo mumatunhu ose emunyika ari kuwana zvinyunyuto zvakawanda kubva kuvarairidzi vakashanda neZEC vari kuti havasati vabhadharwa.
VaMajongwe vanoti sangano ravo rave kunyorerra ZEC tsamba richikurudzira kuti ibhadhare varairidzi ava, sezvo vazhinji vavo vakashandisa mari dzavo pavakaenda kunoita basa. Studio 7 yakundikana kunzwa divi re ZEC panyaya iyi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaRaymond Majongwe