Bato reNPP Ronyunyuta neMabatirwo eBasa reSarudzo neZEC

  • Blessing Zulu

VaSamuel Sipepa Nkomo

Mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party, NPP, VaSamuel Sipepa Nkomo, vanoti bato ravo semamwe mapato anopikisa, harisi kufara nemabatirwo ari kuitwa sarudzo nesangano reZimbabwe Electoral Commission, iro riri kushorwa nekuendeswa kumatare richinzi harisi kufambisa sarudzo zvakanaka.

Asi veZEC vanoti mashoko aya ndeemugotsi matsuro sezvo vari kutevera bumbiro remutemo.

Mutungamiri weNPP, vachitungamirawo mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition Amai Joice Mujuru, nebato ravo reNPP nemusi weMugovera vakaita musangano kuLuveve uye neSvondo vakaita mumwe kuTshabalala muBulawayo.

Amai Mujuru vakakurudzira vanhu kuti vavavhotere vachiti bato reZanu-PF rakundikana kugadzirisa matambudziko makukutu akatarisana nenyika munyaya dzezvehupfumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSamuel Sipepa Nkomo