Vamwe Votyira Kuti ZEC Ingangowedzera Nzvimbo dzeKuvhotera

  • Jonga Kandemiiri

Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti hurongwa hweZEC hwekuda kupinza vashandi vanovhotesa musarudzo vakawanda kudarika vakashanda musarudzo dzemuna 2013 rinofanirwa kungwarirwa sezvo pachizokwanisa kuiswa dzimwe nzvimbo dzekuvhotera dziri kunze kwedzakashandiswa mukunyoresa kuvhota.

Izvi zvinotevera mashoko anonzi akataurwa nemumwe mukuru-mukuru weboka rinotungamira sarudzo iri, ekuti vari kutarisira kupinza vashandi vangangosvika zviuru zana nemakumi matatu basa rekuti vavhotese musarudzo dziri kuuya.

VaPromise Sande, avo vanotungamira sangano reZimbabwe Citizen Initiative, vanoti zviri kurongwa neZEC izvi zvinoratidza kuti ichada kuwedzera nzvimbo dzekuvhotera.

Asi VaSande vanoti panofanirwa kuburitswa pachena neZEC kuti ndivanaani vanenge vachizonovhotera munzvimbo dzinenge dzawedzerwa idzi, sezvo vanhu vakanonyoresa vachavhotera munzvimbo dziri pamagwaro avo ekunyoresa kuvhota.

Asi ZEC yakazivisa kare kuti inobvumidzwa nemutemo wakavandudzwa weElectoral Act kuti iwedzere nzvimbo dzekuvhotera mumatunhu anenge aine vanhu vakawanda vanenge vachida kuvhota.

Musarudzo dza 2013, ZEC yakaisa nzvimbo dzekuvhotera dzinosvika zviuru zvipfumbamwe nemazana matanhatu ane makumi manomwe.

Gore rino boka iri harisati razivisa huwandu chaihwo hwenzvimbo dzekuvhotera dzichaiswa, asi rakazivisa kuti rinotarisira kuti panzvimbo yoga yoga pange paine vashandi vanovhotesa gumi, zvichireva kuti panogona kuita nzvimbo zviuru gumi nezvitatu munyika yose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPromise Sande