Amai Makarau Vobvuma Kuti BVR Ine Zvipingaidzo

  • Blessing Zulu

Umgcinisihlalo weZEC uJustice Rita Makarau

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Makarau

Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vanoti havasi kunyatsofara nehuwandu hwevanhu vanyoresa kuvhota kusvika pari zvino.

Amai Makarau vanoti chirongwa chitsva cheBiometric Voter Registration, kana kuti BVR, muchikamu chavo chekutanga chanyoresa vanhu zvikamu gumi nemumwe kubva muzana, asi vange vachida kuti vanga vanyoresa zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana.

Amai Makarau vanoti ZEC inoti iri kuda kuti inyorese vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe panopera chirongwa ichi gore rinouya.

Asi vanopikisa nemasangano akazvimirira oga vanoti havaone ZEC ichisvika pahuwandu uhu sezvo isina kugadzirira.