ZCTU Yokurudzira Kuti Vashandi Vatambiriswe Mihoro neMari yekuAmerica

  • Jonga Kandemiiri

Nhengo dzeZCTU dzichiratidzira.

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri mushishi kunyorera kuhurumende kuti ione kuti vashandirwi vose munyika vatambirisa vashandi vavo mari dzavo dzemihoro nemari yekuAmerica, sezvo zvinhu zvose munyika zviri kutengeswa nemari yekunze iyi.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo vanoti vashandi vose vakavhuriswa mabhuku ekumabhanga matsva emari yekunze mushure mekunge nyika yatanga kushandisa mari yekunze, zvichireva kuti vanofanirwa kunge vachitambiriswa mihoro yavo nemari yekunze.

VaMoyo vanotiwo sangano ravo harina kumbobvira rabvumirana nenyaya yekuti vashandi vabhadharwe nemari yema Bond Note, sezvo risina kumbobvira racherechedza rudzi rwemari urwu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo

Asi mukuru wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti havaone vashandirwi vose vachikwanisa kubhadhara vashandi vavo nemari yekuAmerica.

VaMufukare vanoti vavanofunga kuti vangatokwanisa kubhadhara vashandi vavo nemari yekunze masangano akazvimirira, kana makambani mashomashoma anotengesa zvinhu kunze kwenyika, avo vanowana mari dzekunze.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJohn Mufukare