Zanu-PF Inonzi Iri Kutyora Mitemo Yayo

Nyanzvi dzezvamatongerwo enyika dzirikuti Zanu-PF irikutyora mitemo yayo

Imwe nyanzvi mune zvamatongerwo enyika inoti kongiresi yechimbi chimbi yakaitwa ne Zanu-PF inoratidza kuti bato iri rafunga zvokumboisa mbumbiro remitemo yaro parutivi.

Nyanzvi iyi inotiwo zviri kuitika mubato iri zvinoratidzawo kuti mutungamiri waro, Va Emmerson Mnangagwa, havasi ivo vane masimba.

Mudzidzisi wezvematongerwo enyika pa Amherst College, kuno ku America, Doctor Chipo Dendere, vanoti kusavepo kwevatevedzeri vemutungamiri wenyika hazvisi pamutemo.

Doctor Dendere, avo vakaenda kunozvionera mafambiro ekongiresi yeZanu-PF, vanotiwo kudoma kwakaitwa nava Mnangagwa vamwe vevanhu vavachashanda navo mubato hazvisi pamutemo zvekare nekuti vamwe vevanhu ava vanofanira kuita zvekusarudzwa nevanhu.

“Vanhu vazhinji vakafarira kuti kongiresi haina kuitwa kwemazuva mazhinji vamwe veruzhinji vandange ndichitaura navo vange vachiti hapana zvakanyanyisa kusiyana nezvavaiita makore ose,” Dr. Dendere vakaudza Studio 7. “Ruzhinji rwevanhu rwakashamiswa kuti sei pasina kusarudzwa ma Vice Presidents. Asi chokwadi ndechokuti zvizhinji zviri kuitika muZanu-PF, hazvienderani nemutemo wavo we party.”

Mushure mekongiresi iyi, pakazoburitswa mashoko ekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachadoma vatevedzeri vavo

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Dr Chipo Dendere


vhiki ino.