VaZhuwao Voshoropodzwa naVaLumumba

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

VaPatrick Zhuwao

Chimoto chatanga zvakare mu Zanu PF zvichitevera kudzingwa kwemumwe wevechidiki mubato iri, Va Acie Lumumba, sasachigaro wekomiti yavana chipangamazano musangano re Zimbabwew Youth Council.

Chimoto chatanga zvakare mu Zanu PF zvichitevera kudzingwa kwemumwe wevechidiki mubato iri, Va Acie Lumumba, sasachigaro wekomiti yavana chipangamazano musangano re Zimbabwew Youth Council.

Va Lumumba vakadzingwa mukomiti ye Zimbabwe Youth Empowerment Strategy for Investment negurukota rezve vechdiki, Va Patrick Zhuwao, vachipomerwa mhosva yekusashandisa mari zvakanaka muhofisi mavo.

Asi VaLumumba vanoti hapana chavakatadza kunze kwekuramba kuita zvido zvaVa Zhuwao.

VaZhuwao, avo vanova muzukuru wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti vakabvisa VaLumumba pachigaro chavo zviri pamutemo mushure mekunge vaona kuti pane zvaikanganiswa kuitwa newechidiki uyu.

Asi VaLumumba vanoti chokwadi chiripo ndechekuti vakadzingirwa kusatambira zvido zvaVaZhuwao, izvo vanoti hazvipindirane negwara reZanu PF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAcie Lumumba

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPatrick Zhuwao