Vechidiki veZanu PF Votarisirwa Kuungana muKadoma kuMusangano wePagore

  • Jonga Kandemiiri

Vanoona nezvegwara remusangano muboka revechidiki veZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu.

Vechidiki vebato riri kutonga reZanu PF, vari kuungana neChitatu munhandare yeRimuka, mudhorbha reKadoma, kuMashonaland West, uko vari kutarisirwa kuita musangano wavo wepagore.

Mutungamiri webato reZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vari kutarisirwa kuve munyarikani mukuru pamusangano uyu.

Munyori anoona nezvegwara remusangano muboka revechidiki mubato reZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti musangano uyu uchapa vechidiki vose vemunyika, kwete vebato ravo chete, mukana wekuzeya matambudziko akatarisana nenyika, zvikuru munyaya dzeupfumi, uye kuti angagadziriswa sei.

Vechidiki vanodarika zviuru makumi maviri vanonzi vari kutarisirwa kuungana kumusangano uyu.

Musangano wevechidiki uyu unouya panguva iyo Zanu PF iri kugadzirira kuita musangano wayo mukuru wepagore kuGoromonzi, mudunhu reMashonaland East kubva musi wa 10 kusvika musi wa 15 mwedzi unouya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGodfrey Tsenengamu