Vechidiki veZanu PF Voyambira Vemabhizimusi Vari Kukwidza Mitengo

  • Jonga Kandemiiri

Vanoona nezvegwara remusangano muboka revechidiki muZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu

Vechidiki vebato riri kutonga reZanu PF, vari kuyambira vemabhizimusi vavanoti vari kukwidza mitengo zvisina tsanangudzo, vachiti havadi kuzomanikidzwa kutorera vanhu ava matanho anozovarwadza mune remangwana.

Vanoona nezvegwara remusangano muboka revechidiki muZanu PF, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti vamwe vemabhizimusi vari kukwidza mitengo zvisina maturo senzira yekudzorera shure hurongwa hwebudiriro huri kuitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, vachiti kuita kwakadai hakuna kusiyana nekupandukira hurumende.

VaTsenengamu, avo vari kushanyira matunhu eChimanimani neChipinge vainehutungamiri weboka ravo, vanoti vemabhizimusi ava vari kutora mukana wekusatarwa kwemitengo nehurumende vachirwadzisa veruzhinji, tsika yavanoti vari kuzviita vanofanirwa kusiyana nayo.

Mitengo yezvinhu zvakawanda inonzi iri kukwira zvisina tsanangudzo, izvo zvaita kuti vechidiki ava vatore matanho aya.

Asi vemabhizimusi vanoti vari kukwidza mitengo nekuda kwekunetsa kwemari yekunze yavanoda mukutenga zvavanozotengesawo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGodfrey Tsenengamu