Zanu PF Inoti Zimbabwe neZambia Dzine Hukama Hwakanaka

  • Blessing Zulu

Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu

Bato re Zanu PF raramba mashoko ekuti riri kunyomba nekuzvidza mutungamiri mutsva weZambia, VaHakainde Hichilema, richiti Zimbabwe ine hukama hwakanaka chose nenyika yeZambia, kunyange hazvo bato riri kutonga muZambia riri kuti mutungamiri waro ari kutukirirwa nevamwe muhurumende nemuZanu PF.

Svondo rapera bato raVaHichilema reUnited Party for National Development rakapomera Zanu PF mhosva yekudenha mutungamiri waro nekuti vanodyidzana zvakasimba nebato rinopikisa muZimbabwe reMDC Alliance.

Asi munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF, VaObert Mpofu, neSvondo vakaburitsa gwaro rinoramba zvipomerwa izvi, vachiti bato ravo rinotungamirwa nemutungamiri waro, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakatambira kukunda kwaVaHichilema nebato ravo musarudzo, vachiti havaneyi nechekuita nezvinenge zvichiitika munyika dzavakavakidzana nadzo.

Vamwe muhurumende nemuZanu PF vanga vachinyomba mutungamiri mutsva weZambia uyu vachivati mutengesi.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanotiwo manyepo ekuti bato ravo rinotukirira VaHichilema, vachiti pavakanzwa nezvenyaya iyi vakazoedza kuverengawo bepanhau raiti vakatuka VaHichilema iri asi havana kuona pavakavatuka pacho..

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanotiwo Zanu PF inozivikanwa nekuwirirana nemapato ose anotonga mudunhu reSADC senzira yekuvharidzirawo zvarikokanganisa, zvinosanganisira zvinobuda musarudzo zvinenge zvichinyunyutisa vanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFarai Maguwu