MDC Yoshora Zvisungo Zvakabuda neZanu PF kuMusangano Waro wePagore

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume.

Bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, rinoti zvisungo zvakabuda nebato reZanu PF kumusangano waro wepagore wakapetwa neMugovera kuEsigodini, kuMatabeleland South hazvina veruzhinji pamwoyo sezvo zvisingabati matambudziko akatarisana nenyika pari zvino.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti Zanu PF yakapedza nguva yemusangano uyu isingataure nematambudziko akaita sekushaikwa kwemafuta ekufambisa munyika, kuramwa mabasa kwavana chiremba, pamwe nemamwe matambudziko ari kusunga nyika mbiradzakondo.

VaMafume vanoti panzvimbo yekuzeya zvinopa vana veZimbabwe cheuviri, musangano weZanu PF uyu wakave nhandare yekupembedza VaMnangagwa pamwe nekuronga zvesarudzo dza 2023 iyo nyika ichida kudzimurwa nhasi chaiye.

Mutauriri weMDC uyu ashorawo hurongwa hwekuti chirongwa chevechidiki che Youth Service, icho chakanga chambomiswa muna 2009, chidzoswe kutanga kwegore rinouya, vachiti vechidiki ava vakaita zvakawanda kwazvo kushungurudza vana veZimbabwe musarudzo dzapfuura.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume

Asi nhengo yeZanu PF uye vari nhengo yeCentral Committee, Va Joseph Tshuma, vanoti bato ravo rakabata zvakawanda munyaya dzekugadzirisa matambudziko ezvehupfumi.

VaTshuma vatsigirawo kudzorwa kwechirongwa chevechidiki, icho chinozivikanwa se Border gezi, vachiti zvirngwa zvakadai zvinobatsira kudzidzisa vanhu kuti vasatengese nyika yavo.

Bato reZanu PF rakabuda nezvisungo zvakawanda zvinosanganisira chekuti mutungamiri waro, uye ari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasakwikwidzwa pachigaro chavo kwematemu maviri.

Izvi zvinoreva kuti VaMnangagwa ndivo vachamirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2023 nemuna 2028.

Zvimwe zvisungo zvakabuda nebato iri zvinosanganisira kuti hapana nyaya yehutungamiri ichataurwa, sezvo VaMnangagwa vari ivo vachange vachitungamira bato; kuita hurongwa hwekukwezva vari kunze kwenyika kuitira kuti vadzoke kumusha kuzobatsira kusimudzira nyika, pamwe nekuvandudza mitemo yePublic Order and Security Act, uye mutemo weAIPPA kuitira ibviswe kana isingaenderane nebumbiro remitemo yenyika.

Mutauriri webato iri, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio 7 kuti vanga vachiri kupedzisa basa rekupeta musangano kwavakaita neMugovera, vakati titaure navo neMuvhuro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoseph Tshuma