Zimbabwe Yoyambirwa Kuti Ingwarire Kuti Covid-19 Inogona Kudzoka Zvine Hukasha Sezviri Kuitika kuIndia

  • Blessing Zulu

Kunyangwe hazvo muZimbabwe nedzimwe nyika huwandu hwevari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuti dererei parizvino, imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano Dr Enoch Mayida vari kuyambira vanhu kuti vasarivare sezvo chirwere ichi chichigona kudzoka zvine hukasha sezviri kuitika kuIndia parizvino.

Dr Mayida vaudza Studio 7 kuti India yaitembenge ichifunga kuti chirwere ichi chapera asi chadzoka zvine hukasha uye vanhu vanodarika zviuru zvitatu vave kufa pazuva.

Zvichakadari, bazi rezvehutano muZimbabwe rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 kuMatabeleland North nemusi weMugovera zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi hwave chiuru chimwe chete chi mazana mashanu nemakumi matanhatu nevasere kana kuti 1, 1568.

Vanhu vatatu vakabatwa nechirwere ichi, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi pazviuru makumi matatu nezvisere nemazana maviri nemakumi matanhatu kana kuti 38 260.

Vanhu vasere vakapora kubva kuchirwere ichi zvasiya vapora vave zviuru makumi matatu nezvishanu ne mazana matanhatu nemakumi maviri kana kuti 35, 620.

Vanhu vachiri kurwara chiuru chimwe chete nemakumi manomwe nevaviri kana kuti 1, 072.

Bazi rehutano rakazivisa neMugovera kuti vanhu vabayiwa nhomba munyika yose vainge vava zviuru mazana mana nemakui maviri nevasere nezana rimwe chete nemakumi matatu nevashanu kana kuti 428, 135.

Pavanhau ava, vabayiwa kechipiri sezviri kukurudzirwa vave zviuru makumi mapfumbamwe nezviviri nezana nemakumi matanhatu nevana kana kuti 92, 164.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Enoch Mayida