Musangano Mukuru Wevechidiki Inoitwa MuHarare

Rev Kenneth Mtata

Sangano reZimbabwe Council of Churches, rakabatana nemamwe masangano akaita se Impact Ignite, International Youth Fellowship nemamwe, vakaita musangano mukuru wevechidiki muHarare pakupera kwesvondo.

Munyori weZimbabwe Council of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti musangano uyu wakapindwa nevechidiki vanopfuura mazana mashanu paKentucky Hotel uye wakange wakanangana nekubatsira vechidiki munyaya dzezvehutungamiri, zvemabhizimisi pamwe chete nemagariro akanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Kenneth Mtata