Zimbabwe Yoramba Kuti Yakatumira Mauto kuMozambique Kunorwisa Vanotsigira ISIS

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa naVaFilipe Nyusi.

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko vanick mangwana vari kuramba runyerekupe rwekuti Zimbabwe yakatumira mauto kuMozambique kunorwisa vanopfurikidza mwero vachitsigira chikwata cheIslamic State kana kuti ISIS.

Vanopfurikidza mwero ava vari mudunhu reCao Delgado pedyo nemuganhu wenyika yeTanzania.

Vanhu vanodarika churu chimwe chete vafa muMozambique nekuda kwehondo iyi.

Nemusi weChishanu, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanova sachigaro webazi rezvekudzivirirwa kwenyika dzemuSADC kana kuti SADC Organ on Politics and Defense vakaenda kunoita hurukuro nemutungamiri weMozambique VaFilipe Nyusi nezvekusagadzikana kwenyika iyi.

Asi VaMangwana vari kuramba mashoko ekuti Zimbabwe yakatotumira mauto.

​Vanoti kana Zimbabwe ichida kuita izvi mune remangwana inotoita pasi peSADC.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaNick Mangwana

Munyori anoona nezvemutemo mubato rinopikisa reMDC VaInnocent Gonese vanova gweta vaudzawo Studio 7 kuti VaMnangagwa havakwanise kuita zano ndega vachitumira mauto kune imwe nyika vasina kusuma dare reparamende uye kana vakaita fungira mumoyo rwendo rwembwa vanofanira kusuma dare iri nechimbichimbi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaInnocent Gonese