Zimbabwe Yoramba Iri paNhongonya yeGroup G muAfrica Nations Cup

  • Blessing Zulu

Zimbabwe yaita mangange nhasi nemusi weSvondo neCongo Brazaville mumutambo wemakundano eAfrica Nations Cup. Mutambo uyu watambirwa kuLibreville, guta guru renyika iyi.

Zimbabwe iri muGroup G pamwe chete neDR Congo neLiberia. Liberia neDRC dzakaitawo mangange 1-1 zvakasiya Zimbabwe iri panhongonya.

Zvikwata zviviri zvinenge zviri pamusoro ndizvo zvichaenda kumakwikwi aya kuCameroon gore rinouya.

Zimbabwe neDRC dzine mapoinzi mana mushure memutambo miviri ukuwo Liberia neCongo Brazzavile dziine poindi imwe chete.