Zimbabwe Yokurudzirwa Kuremekedza Kodzero dzeVanhu Kana Ichida Kudyidzana neDzimwe Nyika

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin vekuRussia

Zimbabwe iri kuyedza kusimbaradza hukama hwayo nenyika dzakabudirira kusanganisira America nesangano reEuropean Union.

Asi kunyangwe paine chidokwakwa chekugadzirisa hupfumi, vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vari kugunun’una nekusungwa uye kupambwa kwavanoti kuri kuitwa vanopikisa hurumende kana kuti vemasangano akazvimirira oga.

Hurumende iri kuyedza kuumba hukama kuburikidzwa nemisangano iri kuitwa nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika uye nhengo dzedare reparamende dzichitungamirwa nemutauriri waro, VaJacob Mudenda.

NeChitatu kwakaitwa musangano pakati pehurumende neEU muHarare uye gurukota rezvemari VaMthuli Ncube vakasanganawo nemumiriri wenyika yeAmerica muZimbabwe, VaBrian Nichols, nechinangwa chimwe chetecho chekugadzirisa nyaya dzekudyidzana.

Hukama pakati peZimbabwe nenyika dzakabudirira hwakaita zinyekenyeke mushure mekunge vatungamiri vehurumende vapomerwa mhosva yekutonga nedemo nekubirira sarudzo.

Asi hurumende inoti zvirango zvakauya mushure mekunge yatora minda kubva kuvachena ichiendesa kuvarimi vatema.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera havo kudivi reZanu-PF, VaGadzira Chirumanzu, vanoti kana vekunze vachida kuti paitwe nhaurirano havafanire kutanga vaudza Zimbabwe zvekuita.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti kuZimbabwe muromo hauzarirwe nerwizi sezvo ichingotaura pasina chiri kuvandudzwa munyaya dzekuremekedza kodzero dzevanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga naVaGadzira Chirumhanzu