Zimbabwe Yokumbira Mari Yekutanga Hofisi yeTNF Kusangano reILO

  • Blessing Zulu

Muzvinafundo Paul Mavima

Gurukota rezvevashandi Muzvinafundo Paul Mavima vanoti vakazvipira kumutsiridza hurongwa hweTripartite Negotiating Forum kana kuti TNF.

TNF inounza pamwe chete, hurumende, vashandi nevashandirwi. Danho rekumutsiridza TNF riri kuuya apo hurumende iri kunetsana zvakanyanya nevashandi nevashandirirwi pagwara rekutora munyaya dzezvehupfumi.

VaMavima vanoti vakumbira sangano reunited Nations reInternational Labour Organization kana kuti ILO kuti ribatsire hurumende nemari yekutanga hofisi inokokera mabasa eTNF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Muzvinafundo Paul Mavima

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ Doctor Israel Murefu vanoti vashandi vanotambira nemufaro danho iri vachiti vane zvakawanda zvavanoda kuti zvigadziriswe kunyanya nyaya yemagetsi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Israel Murefu

Asi munyori mukuru wesangano revashandi reZCTU VaJaphet Moyo vanoti vashandi vanotenda muchero vadya chakata.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo