Zimbabwe Yobatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Zuva reMwanasikana

  • Jonga Kandemiiri

Muzvare Charlene Chekenya

Nezuro pasi rose rakabatana mukucherechedza zuva remwanasikana, kana kuti International Day of the Girl Child.

Gore rino zuva iri rakanga rakanangana nekuwanisa mwanasikana hunyanzvi mune zvedzidzo, zvikuru munyaya dzehumhizha.

Sangano reUnited Nations rinoyambira kuti vanasikana pasi rose vane mikana mishoma kudzidzo, humhizha, pamwe nemasaisai, izvo zviri kuita kuti vasarire shure zvichienzaniswa nevanakomana mukuwana ruzivo rwunoita kuti vagozokwanisa kuwana mabasa.

Sangano iri rinotiwo vanasikana vezera rekuenda kuchikoro vanodarika mamiriyoni zana nemakumi matatu pasi rose havasi kuwana dzidzo nekuda kwekumanikidzwa kuroowa vachiri vadiki, hurombo, mabvamuhondo, uye kushaiwa zvikoro zvinokodzera.

MuZimbabwe, mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzevanasikana pamwe nemadzimai, reStand Foundation, Muzvare Charlene Chekenya, vanoti vakacherechedza zuva iri kuburikidza nekuparurawo chirongwa chavo chinonzi “Purple Campaign”, icho chinokurudzira kuwaniswa mikana kwevanasikana kuburikidza nekutumbuka semaruva emuti wemuJacaranda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Charlene Chekenya