Madzimai Otyira Mhirizhonga Musarudzo dza 2018

Zimbabwe Mugabe

Mamwe madzimai ekuMasvingo anoti atotanga kupindwa nekutya kuti sarudzo dzegore rinouya dzinogona kuita mhirizhonga yakawanda ichava kanganganisa.

Vachitaura pamusangano waitwa mudhorobha reMasvingo, madzimai abva kunzvimbo dzakasiyana siyana ati nyaya dzekutyisidzirana dzakatotanga nekudaro mhirizhonga inogona kukanganisa kuitwa kwesarudzo dzakanaka gore rinouya.

Madzimai aya atizve mashoko ari kubuda mudunhu ravo ndeekuti Zanu PF yatotanga kudzidzisa vechidiki mhirizhonga, uye madzishe nemasabhuku mumaruwa atotanga kutyisidzira vanhu.

Mumwe mudzimai apinda musangano wanhasi, Amai Sungano Zvarebwanashe, vati vari kuona ropa richideuka gore rinouya sezvo Zanu PF yavhundutswa nemaubatanidzwa wemasangano anopikisa uri kurongwa.

Nhengo yeMDC-T inogara kuMucheke, Amai Patricia Ngezi, vatiwo mhirizhonga yegore rinouya inogona kuwedzera sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZanu PF.

Asi nhengo yeZanu PF, Amai Tsitsi Mudumo, avo vaive murwiri werusununguko munguva yehondo, varamba mashoko emhirizhonga vachiti bato ravo riri kuzopinda musarudzo murunyararo.

Asi vamwe vakaita saAmai Florence Gwede vati mhirizhonga ichange iripo uye madzimai anosangana nematambudziko akawanda panguva yakadai akaita sekubatwa chibharo.

Vamwe vataura vati mhirizhonga inogona kuititka sezvo yakatotanga muZanu PF apo vatsigiri vayo vakarakashana kuBulawayo masvondo mashoma apfuura.

Musangano wanhasi wanga wakarongwa nesangano reHeal Zimbabwe Trust uine chinangwa chekuti vanhu vataure pamusoro pekodzero dzavo, uye kugara murunyararo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Gandri Maramba