Vamwe Vanoti VaMnangagwa Vakazvikanganisira Vega Rwendo Rwavo kuUnited Nations

VaEmmerson Mnangagwa

Mumazuva gumi apfuura, vatungamiriri veZimbabwe vange vachirwisana nezvinhu zvizhinji, kubva pakupambwa nekuwanikwa kwaDoctor Peter Magombeyi, kuramwa mabasa kwavana chiremba, rwendo rwaVaMnangagwa kuUnited Nations pamwe nekukwira kwemitengo yezvinhu munyika.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti VaMnangagwa vakakanganisa vega rwendo rwavo nemabatiro avakaita nyaya yaDoctor Magombeyi uye nekuvimbisa mapurazi pasina mubhadharo kune avo vanoda kuisa mari mune zvemabhizimisi mu Zimbabwe.

Pane umwe musangano wavakaita muNew York, VaMnangagwa vakati hurumende yavo ichapa vana muzvinabizimisi vanoda kuisa mari yavo mukubatsira Zimbabwe munyaya dzekumutsidzira zvehutano mapurazi pasina mutengo.

Vanodzidzisa zvemabhizimisi paDevry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vaudza Studio 7 kuti chinhu chikuru chichashorwa VaMnangagwa kwemakore mazhinji arikuuya mabatiro avakaita kufa nekuchengetwa kwe vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naProfessor Elliot Masocha