WASHINGTON —
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reThe Observatory for The Protection of Human Rights Defenders, iro rakaumbwa nemasangano eInternational Federation for Human Rights neWorld Organization Against Torture, raburitsa gwaro rinotarisa mamiriro akaita zvinhu munyika richipa kurudziro yekuti United Nations, European Union, SADC neAfrican Union dzitumire nhumwa kuZimbabwe pasati paitwa referendamu yebumbiro idzva remitemo uye sarudzo dziri kutarisirwa gore rinouya.
Gwaro iri rinonzi “Zimbabwe: Ongoing Risks for Human Rights Defenders in the Contest of Political Deadlock and Electoral Period.”
Masangano aya achishanda neZIMRIGHTS anoti nyaya yekutadza kugadzirisa misariridzwa yeGlobal Political Agreement ndiyo iri kupa kuti muZimbabwe zvinhu zvisagadzikane munyaya dzezvematongerwo enyika.