MDC-T Yorwadzikana Zvichitevera Kukuwadzwa kweNhengo Dzayo kuChitungwiza

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu

Nhengo dze MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai dzakakuvadzwa mumhirizhonga yakaitika kuChitungwiza nemusi weSvondo, dzakundikana kumira pamberi pedare sezvo dzakakuvadzwa zvakanyanyisa.

Zvichitevera chikumbiro chaiswa mudare nemagweta enhengo idzi, dare rati VaDelma Amos Kaliyati nevamwe vavo vaviri vazodzoke kudare kana vachinge vapora.

VaKaliyati vachiri muchipatara umo vari kurapwa, asi vamwe vavo vaviri vakaburitswa muchipatara neMuvhuro.

Mutauriri we MDC-T, VaObert Gutu, vanoti havazi kufara kuti nhengo dzebato ravo dzakarwiswa ndidzo dzave kuiswa muhusungwa.

Vanoti bato ravo harirwisi vanhu uye vanokuridzira vechidiki veZanu-PF kuti varegere zvekurwisa vanhu asi kushanda nesimba kuti vanhu vakawanda vakwanise kunyoresa kuti vagozovhota.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Obert Gutu