Kanzura veWard 14 kuUzumba, VaFagio Marowa, Vovaka Makiriniki Panguva Iyo Vari Kurwisana neCovid-19 Mudunhu Mavo

  • Jonga Kandemiiri

Kanzura veWard 14 kuUzumba VaFagio Zvondayi, Marowa

Kanzura veWard 14 mudunhu reUzumba, kuMashonaland East, VaFagio Zvondayi Marowa, vanoti chirongwa chekubaiwa kwenhomba yekudzivirira Covid-19 chiri kufamba zvakanaka chose mudunhu mavo kunyange hazvo pakambenge paine matambudziko ekushaikwa kwedzimwe nhomba mune mamwe makiriniki.

VaMarowa vanotiwo vari kutora matanho akasimba ekuona kuti vanhu vatevedzera mitemo inokurudzirwa mukudzivirira kupararira kweCovid-19 munzvimbo dzavanenge vakaungana, pangave pamisangano kana parufu, akafanana nekuona kuti vanhu vapfeka zvivharangozi kana kuti mamasiki, kugeza maoko uye kusiya mikaha pakati pavo.

Vanoti vanhu vemunharaunda mavo vari kubaiwa nhomba pamakiriniki eNhakiwa neMarembera, kunyange hazvo vamwe vari kuendawo kuchipatara chikuru cheMutawatawa chiri kuMaramba kana kune mamwe makiriniki akaita seMashambanhaka kana Chitimbe.

Kanzura Marowa vanoti vari kuvakawo makiriniki mana anoti Kaseke, Mayema, Mutize neZanga kuitira kuti vanhu vedunhu ravo vaitirwe pedyo panyaya dzehutano, uye vanoti vari kubatsirwa nevagari avo vari kukanya zvidhinha nekuita mamwe mabasa.

Vanotiwo vanotenda zvikuru madzisahwira avo anosanganisira vana veUzumba pamwe nevana veZimbabwe uye vemabhizimusi vavanoti vari kuvabatsira nemari nezvimwe zvikwanisiro zvekuvakisa makiriniki aya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFagio Zvondayi Marowa