Kuratidzira Kuri Kuitika muAmerica Zvichitevera Kushaya kwaVaGeorge Floyd Koenderera Mberi

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Kuratidzira kuri kuitika muAmerica zvichitevera kushaya kwa VaGeorge Floyd kuri kuramba kuchienderera mberi dzimwe nyanzvi dzichiti kuwunzwa kwemauto kuti achengetedze runyararo hakuna kuipa sezvo mapurisa anga akurirwa. Vamwe vari kupikisa izvi vachiti hazvienderane nehutongo wejechetere.

Protest in US

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muMinneapolis uye vari mufundisi, Amai Rebecca Makayi, vanoti kuwunzwa kwemauto mumaguta ane mhirizhonga kuti abatsire kunokwanisa kuita kuti zvinhu zvidzikame sezvo mauto asina avari kurova kana kushungurudza.

Amai Makayi vanoti zvakakosha kuti nyaya yekushungurudzwa kwevanhu vatema ikurukurwe nechimbi chimbi sezvo vazhinji vave kutyira hupenyu hwevanakomana vavo nevarume vavo kana vachinge vari mumawoko emapurisa.

Nzvimbo zhinji muAmerica dziri pasi pemutemo we curfew kuitira kuti mhirizhonga isarambe ichipararira.

"Zviri kurwadza semudzimai anove nemwana komana kuti uwone zvakadayi zvichiitika munyika yakadayi seAmerica, hauzoziva kuti wako mwana komana kana murume wako mutema akachengetedzeka here nyanya akapinda mumawoko emapurisa," Amai Makayi vaudza Studio7.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Rebbeca Makayi