Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Zvoratidzira paMuzinda weNyika

  • Jonga Kandemiiri

Zvizvarwa zveZimbabwe zvichiratidzira pamuzinda weZimbabwe muWashington D.C. gore rapera.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zviri kuungana mangwanani ano pamuzinda weZimbabwe uri muWashington D.C., zvichiratidzira zvichinyunyuta nemabatirwo azvinoti ari kuitwa vanhu kumusha nehurumende.

Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhwu, Muzvare Chiwoniso Mpofu, vanoti hurongwa hwavo ndehwekusangana nenguva dzegumi mangwanani ano vachiratidzira nekusiya gwaro renyunyuto kumumiriri wezimbabwe pamuzinda uyu, vozofora vachienda zvakare kumuzinda weSouth Africa vachinosiya rimwe gwaro renyunyuto.

Vanoti vari kunosiya gwaro renyunyuto kumuzinda weSouth Africa sezvo iri muwakidzani weZimbabwe anofanirwa kunge achidzimurawo moto uri kupisa nyika.

Muzvare Mpofu vanoti chiri kunyanya kurwadza vanhu ndechekuti hurumende inofanirwa kunge ichichengetedza vanhu, ndiyo iri pamberi mukushungurudza vanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Chiwoniso Mpofu