WASHINGTON —
Zimbabwe yapemberera neChitatu zuva re United Nations Day paine kurudziro yekuti izadzise zviga zveUnited Nations zve Millenium Development Goals.
Kunyange hazvo zuva iri rakacherechedzwa pasi rose musi wa 24 Gumiguru, Zimbabwe yaita mhembero yayo neChitatu pa Chitungwiza Hospital, sezvo isina kukwanisa kuita cherechedzo iyi pazuva rakatarwa.
Vachitaura pamhemberero iyi, gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti hurumende ichasimbaradza hukama hwayo nemamwe masangano kuitira kuti huwandu hwemadzimai ari kufa panguva yekubereka, hudzikire.
Vachitaurawo pamusangano uyu, murongi wemabasa e United Nations muZimbabwe, Va Allain Noudehou, vatiwo dambudziko rekufa kwemadzimai apo vanenge vava kubatsirwa richiri guru, kwete muZimbabwe chete, asi kuti pasi rose.