WASHINGTON D.C. —
Sangano idzva rakaumbwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa kuti ribatsire vana veZimbabwe vanoshaya vangadai vari kutambura munyika iyi nezuro rakapa zvekudya kumhuri dzevasingaone dzinodarika makumi mashanu.
Mhuri idzi dzanga dzichimborarama nekupemha mumigwagwa yeguta reJohannesburg izvo zvakamiswa pakavharwa nyika iyi.
Mukuru wesangano re Zimbabwe United for Progress, VaKennedy Mapesa Mandaza, vanove zvakare mutauriri webato reZanu PF mudunhu reSouth Africa, vanoti vakatora danho iri mushure mekuona kuti mhuri idzi dzakange dzave kutambura zvakanyanya nekuda kwemutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu muSouth Africa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaKennedy Mandaza