HARARE —
Makurukota matatu ari mukomiti yehurumende inoona nezvekutsvagwa kwemari yesarudzo ari kutarisirwa kusangana svondo rino kuti azeye nyaya yemari yesarudzo iyo younza bopoto rakanyanya muhurumende yemubatanidzwa.
Makurukota aya anoti, gurukota rezvemari, VaTendai Biti, gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, uye mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.
Vatungamiri vehurumende vanonzi vakasangana neMuvhuro vakatiwo Zimbabwe iyedze zvakare kuita hurukuro ne United Nations pamusoro pemari yesarudzo.
VaBiti nebato ravo reMDC vanoti Zimbabwe inofanira kuti itaure neUnited Nations kuti ipihwe mari inosvika zana nemakumi matatu nemaviri emamiriyoni emadhora ari kudiwa kuti nyika iite sarudzo.
Izvi zvauya mushure mekubuda pachena kwenyaya yekuti hurumende yakatokwereta mari inosvika mamiriyoni makumi mana kubva kumakambani anoti National Social Security Authority neOld Mutual kuti iite referendamu muna Kurume.
Zimbabwe yakakumbira mari kuSouth Africa neAngola asi zvinenge zvokona n’anga murapwa achida.
Asi veZanu-PF, vachitsigirwawo naVa Mutambara, vanotiwo Zimbabwe ngaisiyane neUnited Nations sezvo sangano iri riri kuti rinoda kutanga raongorora mamiriro ezvinhu munyika risati rapa Zimbabwe mari yekuitisa sarudzo.
United Nations inoti yakagadzirira kuita hurukuro neZimbabwe asi haisi kuzorerutsa zvainosungirwa kuita pamutemo nepamusana pekuti Zimbabwe haisi kufara nazvo.
Hatina kukwanisa kubata VaChinamasa kuti tinzwe divi ravo. Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti vanotsigira mashoko aVaChinamasa.
VaGideon Chitanga, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro munyaya dzezvematongerwo enyika paRhodes University muSouth Africa, vanoti Zanu-PF iri kuvhunduka chati kwatara.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaRugare Gumbo
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTendai Biti