Mufundisi Mubugu Votaura Pamusoro peZvidzidzo zveBhaibheri Zvavaiita naVaTsvangirai

Mufundisi wekereke yeWisdom Church International, VaMazvarirashe Mabugu, vanoti vakawana mukana wokutendeutsa mutungamiri weMDC, VaMorgan Richard Tsvangirai, vasati vaenda kuSouth Africa kunorapwa chirwere chegomarara icho chakatora hupenyu hwavo.

VaMabugu vanoti vakafonerwa naVaTsvangirai kuti vazoita navo zvidzidzo zveshoko raMwari kumba kwavo kuHighlands muHarare, vasati vaenda kuSouth Africa.

VaMabugu vanoti VaTsvangirai vaiva nemoyo wakazaruka kushoko raMwari uye munhu akange akazvininipisa kuvanhu vose, uye kuti vanhu vabatane munyika.

Mufundisi Mabugu vanoti VaTsvangirai munhu aida kuti munhu wese muZimbabwe ave nerusununguko.

Mufundisi Mabugu vanoti VaTsvangirai vaiva munhu akashinga zvokuti pavakaenda kuSouth Africa kunorapwa, vaive nechokwadi chekuti vaizokwikwidza musarudzo uye vachikunda.

Mutumbi waVaTsvangirai unonzi ucharadzikwa kumusha kwavo kuBuhera.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kiri Mudzamiri