VaTsvangirai Vonodzoka Kumusha Zvichitevera Kurapwa kuSouth Africa

Mutungamiri we MDC, VaMorgan Tsvangirai, vadzoka kumusha neChishanu vachibva ku South Africa uko vanga vachirapwa.

Mumashoko avatumira kune veruzhinji, mutauriri waVa Tsvangirai, Va Luke Tamborinyoka, vati VaTsvangirai vasvika muHarare masikati vaine mudzimai wavo, Amai Elizabeth Tsvangirai.

VaTamborinyoka vatiwo VaTsvangairai vakaenda ku South Africa kunoongororwa navana chiremba vavo, zvichitevera kuoparetwa kwavakaitwa mushure mekuwanikwa vaine chirwere che colon cancer.

Vatiwo VaTsvangirai vatambirwa nemumwe wevatevedzeri vavo, Va Nelson Chamisa, nevamwe vakuru vakuru mu MDC.