VaTsvangirai Voparura Misangano kuMashonaland West

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, neChina vakaparura rwendo rwekunosangana nevatsigiri vavo kudunhu reMashonaland West.

VaTsvangirai vange vari paMaumbe Business Centre kuHurungwe Central uko vange vachitaura nezvemamiriro ehupfumi uye nzara iyo yapfunya chisero mumatunhu akawanda munyika.

Vatiwo kudzimwa kwemagetsi munongedzo wekuti Zanu-PF yakundikana kutonga.

VaTsvangirai vakaudzawo vanhu kuti zviri pachena kuti bato riri kutonga reZanu-PF riri kukundikana kugadzirisa zviri kunetsa munyika nenyaya yekuti nhengo dzebato iri dzave kupedza nguva dzichirwira kuti ndiyani achatora chigaro chemutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe.

Mutungamiri weMDC-T ari kutarisirwa kuitawo musangano neChishanu kuAlaska kuChinhoyi.

Nemusi weMugovera VaTsvangirai vachange vari paDombwe kuChegutu East vachizopeta misangano yavo neSvondo paCassa Grounds kuZvimba East.

Mwedzi wapera VaTsvangirai vange vari kuMashonaland Central vachisanganawo nevanhu.

Mutauriri weMDC-T kuMashonaland West Province, VaBlessing Mandaba, vanoti musangano wavo wakafamba zvakanaka kunyange hazvo vamwe veZanu-PF vainge voda kuedza kuvakanganisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBlessing Mandava