VaTsvangirai naVaNcube Vobatana Zvakare

  • Blessing Zulu

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, nemusi weChina vakanyorerana chibvumirano chekuumba hwaro hwekuita mushandirapamwe nebato reMDC inotungamirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube.

Chibvumirano ichi chakanyoreranwa kumba kwaVaTsvangirai kuHighlands muHarare. VaTsvangirai vakanyorerana chimwe chibvumirano chakadai nemutungamiri webato reNational People’s Party Amai Joice Mujuru nemusi weChitatu.

Asi vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mumapato ose ari kunyorerana zvibvumirano aya hamuna kunyatsowirirana zvichapa kuti kuumba mubatanidzwa kunetse.

Vachitaura pachiitiko chemusi weChina, VaTsvangirai vatenda kuti kupatsanurana kwavakaita naVaNcube muna 2005 kwakapa kuti kukunda bato reZanu-PF iyo vanoti inobirirawo sarudzo kunetse.

VaTsvangirai vakatiwo musarudzo dza2018 vanopikisa vachapinda musarudzo vakabatana kuti vasunungure vana veZimbabwe pajoki rehuranda hweZanu-PF. Vatiwo kubatana naVaNcube chinhu chaidiwa nasahwira wavo muchakabvu Gibson Sibanda uye vari kuzadzikisa chido chemufi ichi.

VaTsvangirai vakatiwo kushandirapamwe kwevanopikisa ndiko chete kuchapa kuti Zimbabwe ibude mumadhaka mairi munyaya dzezvehupfumi uye kuti kodzero dzevanhu dziremekedzwe.

Vakatiwo kuti shanduko iuye munyika vanhu vanofanira kunyoresa kuti vakwanise kuvhota.

Ko kubatana kwemapato anopikisa kunorevei?

Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti kubatana kuchapa kuti vakunde Zanu-PF musarudzo dzegore rinouya.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakarerekera havo kubato reZanu-PF VaGadzira Chirumanzu vanoti zviri kuitwa nevanopikisa kutungana kwembudzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu naVaGadzira Chirumanzu