Amai Clinton naVaTrump Voita Gakava Musarudzo dzemuAmerica

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Clinton - Trump

Vari kukwikwidzana musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vemaRepublicans naAmai Hillary Clinton vemaDemocrats vari kuita gakava ravo rekutanga kana kuti dhibheti manheru ano.

Gakava iri riri kuitirwa kuHempstead muNew York. Musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica munoitwa magakava matatu nevatungamiri venyika kwoti rimwe chete nevatevedzeri vavo.

Kennedy Mudukuti

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuAtlanta muno muAmerica VaKennedy Mudukuti vanoti zvizhinji zvinokwanisa kudzidzwa neZimbabwe kune zvichange zvichiitika nhasi sezvo zvichipa vatsigiri vemapato maviri aya mukana wekunzwa kubva kune vatungamiri ava kuti zviyi zvavangawana kubva kwavari.

"Ndichange ndakamirira kuwona kuti Amai Clinton vachavimbisa chiyi kwatiri uye kuti VaTrump vachakwanisa here kutaura hwaro hwekusimudzira nyika. Ini ndinokwanisa kuvhota musarudzo iyi uye musarudzo yakapera ndakavhotera VaBarack Obama asi shuwiro yangu ndeyekuti ini nevamwe tikwanise kuwana mukana wekuvhota kuZimbabwe pasi pebumbiro idzwa remutemo," VaMudukuti vaudza Studio 7.

VaMudukuti vanoti kunyangwa haazvo vari kutarisira kuti nhasi kuchakandirwana makobvu nematete pakati pevaviri ava zvinofadza kuti izvi zvinoitwa murunyararo uye zvinobatsira vatsigiri vevaviri ava kuti vazive kuti vosarudza upi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Kennedy Mudukuti