Amai Banda Vovhura Zimbabwe International Trade Fair Zviri paMutemo neChishanu

  • Blessing Zulu

Amai Joyce Banda

Gungano rekutengeserana reZimbabwe International Trade Fair rechimakumi mashanu nemana kubva zvakaraparurwa gungano iri riri kuvhurwa zviri pamutemo nemutungamiri we Malawi, Amai Joyce Banda neChishanu

Dingindira regore rino rakanangana nenyaya yekukwenenzvera zvemabhizimisi, kumakudza uye kuaruka kuti akwanise kudyidzana neenyika dzekunze. Pane nyika dzekunze dzinosvika gumi nenhanhatu dziri kuratidzira kugungano iri.

Nyika idzi dzinosanganisira Ghana, iyo iri kuuya kekutanga neTanzania, iyo yaimbenge yarega kuuya asi yadzoka rwendo rwuno. Dzimwe nyika dziriko iSouth Africa, China, Zambia, Mozambique, Botswana, Egypt ne Malawi.

Asi kare musika uyu waimboyemurwa zvakanyanya nenyika dzepasi rose sezvo nyika dzakawanda dzekumawirira nekumabvazuva dzaiuya kuzoratidza zvigadzirwa zvadzo. Asi nenyaya yekusagadzikana kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika, yakaita kuti nyika dzakawanda dzisaende kuZITF.

Meya weguta reBulawayo, VaPatrick Thaba Moyo, vanoti ZITF iri kubatsira zvikuru guta ravo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti zvematongerwo enyika ndizvo zvokanganisa nyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPatrick Thaba Moyo naVaCallisto Jokonya