Muzvare Khupe Vanoti Havasi Kushanda neZanu-PF

Muzvare Thokozani Khupe

MDCT-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe inoti haisi kufara nezvakataurwa nemutauriri wemutungamiri weimwe MDC-T, VaLuke Tamborinyoka, mushure medare redzimhosva ratonga kuti bato raMuzvare Khupe rine mvumo yekushandisa zita nemifananidzo yebato reMDC-T.

Vachitaura vakamirira VaNelson Chamisa, VaTamborinyoka vakati mutongi wenyaya iyi, Justice Francis Bere, vakapindira munyaya yakange isiri pamberi pedare ravo.

Vakati izvi zvaisa nyaya yemakakatanwa aya kuti ive pakati peMDC-T yaVaChamisa nevatsigiri vavo, ichirwisana naMuzvare Khupe nevatsigiri vavo veZanu-PF.

Mutauriri waMuzvare Khupe, VaWitness Dube, vaudza Studio7 kuti Muzvare Khupe havasi munhu weZanu-PF uye ndivo mutungamiri chaiye weMDC-T.

Dare remuBulawayo rakati zvikwata zviri kurwisana zvose zvine mvumo yekushandisa zita reMDC-T kudzamara matare atonga nyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWitness Dube