Vanhu Gumi Votyirwa Kuti Vakafa Mushure meKudhirika kweMugodhi kuMashonaland Central

  • Blessing Zulu

Vanhu vakamirira kunzwa nezvehama dzavo dzakavharirwa nekudhirika kwemugudhi weRan Mine gore rappera.

Meya weguta reBindura, VaBrian Kembo, vanoti vanhu gumi vari kutyirwa kuti vakashaya mushure mekunge mumwe mugodhi wadhirika paKitsiyatota kuMashonaland Central.

Mumwe mugodhi wakambodhirikawo gore rapera muna Mbudzi paRan Mine mudunhu iri uye vanhu vanofungidzirwa kuti makumi matatu vakatsakatikiramo mushure mekunge vatadza kuburitswa nekushaikwa kwemichina.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBrian Kembo