Varairidzi Vanoti Vacharamba Vachiramwa Mabasa Kusvika Zvichemo Zvavo Zvagadziriswa

Schools Opening

Rimwe sangano rinomirira varairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ) rinokurudzira hurumende kuti igadzirise zviri kunetsa muzvikoro nekukurumidza kuitira kuti vana vechikoro vasarasikirwa nedzidzo yegore rose.

Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti masangano ose anomirira varairidzi, kunze kwerimwe chete, akabvumirana kuenderera mberi nekuramwa mabasa kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo, zvinosanganisa mihoro yavo nezvikwanisirozvekudzivirira vadzidzi nevarairidzi kuti vasabatwa nechirwere che Covid-19.

Doctor Zhou vanoti chimwe chichemo chaendeswa kuhurumende ndechokuti hurumende ibvume kuti munguva yedzidzo yasara gore rino, paitwe matemu maviri chete, kwete matatu, vachiti izvi zvinopa varairidzi nguva yakakwana yekudzidzisa uye yekuzokwanisa kunyoresa vana bvunzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou

Mutungamiri weZimbabwe Teachers Association, VaRichard Gundani, vaudzavo Studio 7 kuti shuviro yesangano ravo ndeyekuti sezvo zvikoro zvavhurwa kudai, vana vawane mukana wekudzidza, vachiti asi mukana uyu unogona kusavepo mushure mekunge varairidzi vashaya mari yekuenda kubasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRichard Gundani

Tatadza kubata mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, sezvo nharembozha yavo yange isingadavirwi.